Nzungu
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuManduwi)
Nzungu (Peanuts in English) chirimwa chinokura pasi pevhu chinorimwa nevarimi. Nzungu dzinokura mumateko ekuti kana woda nzungu unotanga wapwanya mateko aya, kunonzi kutonongora. Nzungu dzakatokonhorwa dzinonzi musvo.
Dzungu dzinoshandiswa kugadzira: dovi; mafuta; kudyiwa dzakadaro kana kuti kukangwa. Nzungu dzinogona kudyiwa dziri nyoro kana kuti dzakaoma. Kana dziri nyoro dzinobikwa nemvura mumakoko adzo kusvika dzaibva. Dzakaoma dzinoitwa zveku kangwa kana kubikwa dzakasangana nemutakura (kudya kunosanganiswa chibage,nzungu,nyimo kana nyemba dzakaoma).
- Chinyekwe (Abnormal yield of fruit one plant) kana kunyeka zvinotaurwa kana dzinde rakabereka zvakanyanyisa.
- Devere kana matevere (Groundnut (gen name) kana dere izita rinoreva nzungu.
- Madevere (ground-nut oil).
- Manduvi kana manduwi (Stamped groundnuts to be ground into groundnut butter)??
- Mhutwa (1. fragment especially of groundnut; 2. Undeveloped groundnut found when shelling nuts.).
- Gunda kana magunda (Groundnut plant together with its fruit).
- Ndodzi (a small pea).
- Kari kana dakataka Side-dish made by mixing groundnut butter and water and leaving rnixture to simmer on the fire).
- Kupanda kana kuambura zvinoreva kudzura nzungu pakukohwa.
- Chimhutwa (Heap of unshelled groundnuts).
- Mangwingwindo (Coarsely ground groundnuts - used to soften leather).
- Madzikinywa kana machikinywa (Residue remaining after oil has been extracted from groundnuts).
- ibu kana mabu pakuwanda (Immature groundnut eaten by children when crop is being lifted). Vamwe vanoti bwai, magwezu kana rwezu.
- gufu kana magufu (Outer skin of grain - maize, sorghum; 2. Outer skin of nut - groundnut, bambara nut).
- geto kana maketo, (Shell removed from groundnut). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Maketo?
- Mhukutwi (Germ of groundnut).
Germ (1. a portion of an organism capable of developing into a new one or part of one; 2. the embryo in a cereal grain or other plant seed).
Mhando dzeNzungu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chibandwa (var Groundnut)
- Chimbuvira (Small, white variety of groundnut).
- Chinhatare kana kasawayira (White early-maturing variety of groundnut) ndiyo mhando imwe nekasawaya.
- Chimbaura (variety of Groundnut - leaves of plant very dark green).
- Chimbambana, chibambana kana chidhongi (White var groundnut).
- Matsutsururu (variety of groundnut).
- Matatu (variety of groundnut).
- Katsokoka (variety of groundnut).
- kamandidyarirei (variety of groundnut).
- Kaboko Small variety groundnut rich in oil).
- Chinjanjani (variety of groundnut).
- Kasawaya (White, early maturing var groundnut). Sawaya izita remhuri.
Kudya
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chidokohori (Groundnuts stamped in duri and prepared as relish).
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Wakadya mari nemhutwa: you have spent all your money down to the last and smallest coin.
- kwerere kana sesepu (ideophone of having smooth consistency). Dovi rakanyatsoti kwerere: the groundnut butter is of a really fine consistency
- kwerendende (ideophone of thickening to a smooth consistency).
- Akakurunga dovi rikasara rangoti kwerendende: she stirred the groundnut butter till it was of a smooth and even consistency.
- Kukuuka kana kudetsura (1. Grow large - of grain, groundnut etc. 2. Be very productive). Nzungu dzakakuuka pamusana pevhu rakakora: the groundnuts have grown very thickly because of the good soil.
- Kukanangana kana kukangwa Be roasted). Nzungu dzakakanangana: roasted groundnuts.
- Chinanzvira (Ground nut butter eaten by itself). Tsvetera chinanzvirwa pachingwa chako: spread groundnut butter on your bread.
- Kuchikidza (Express oil from groundnuts).
Mazwi eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Nyungwe vanoti mandui (n. peanut, groundnut) kureva nzungu. VaWanga vanoti injuku (n. peanut, groundnut) kureva nzungu.
- Kikongo vanoti mpinda (n. a groundnut, arachis hypogaea) kureva nzungu. VaWabo vanoti mandduwi (peanuts) kureva nzungu.
- IsiZulu vanoti ambatha (Put on covering) vachireva kufugidza. Chimbalazi vanoti ambulla (v. remove) vachireva kubvisa.
- VaMwali vanoti ndzugu (n. peanut) kureva nzungu. Lozi vanoti Ndongo (n. peanut) kureva nzungu. Chewa vanoti mtedza kureva nzungu.
- Lusoga neLugwere vanoti maids kureva nzungu. Kalanga vanoti manongo kureva nzungu. IsiNdebele vanoti amazambane kureva nzungu.