Utare
Peji rino rinoda kuwerengwa, kuwedzerwa uye kugadziriswa
|
Utare (kureva iron) inhangande ye chemushonga ine chiratidzo cha-Fe, chichivamba kumutauro weChiratini pashoko rokuti ferrum, uye ine numeri ye atomu ya-26. Utare chikamu chesimbi dziri musirizi ye simbi dzoudarikira uye iri muboka rechiSere retafura yerupotera. Nendemu yayo, inhangande inowanikwa kwazvo pasirose, zvekuti inopfuura ufemu (oksijeni) (32.1% uye 30.1%, zvichiteerana), inoumba ruzhinji rwe Hunze ne Husomo hwe Rinopasi. Ndiro chinhu china chinowanzo wanikwa muUkoko we Rinopasi, kudzikiswa kwayo kwakaitika nekuda kwe manyuruko mumamire ayo erusimbi, zvitofu zvayo zvinowanikwako futi.
Zita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Shoko rekuti utare rinowanikwa muzita re guta re muZimbabwe, Mutare. Shoko iri rinofungidzirwa kuti rinoreva kuti iron kana kuti raive zita re ndarama. Asi mimwe mitauro ye Chibanthu inotaridza kuti hazvisizvo nekuti muChinyarwanda Utare zvinorevawo zvimwechete semuChishona, kwete kuti ndarama.
Duramazwi:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Ndemu - mass; kubva pa remu -> ndemu.
- hunze - outer
- husomo - inner
- ukoko - crust
- nyuruko - meteor: nyeredzi dzinouruka